Psalms 1

BHUKU 1

Mapisarema 1–41

1Akaropafadzwa munhu
asingafambi panorangana vakaipa,
asingamiri panzira yavatadzi,
asingagari pachigaro chavadadi.
2Asi anofarira murayiro waJehovha,
uye anofungisisa murayiro wake masikati nousiku.
3Akafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura,
unobereka michero yawo nenguva yawo,
uye mashizha awo haasvavi.
Chinhu chipi nechipi chaanoita chinoendeka.

4Vakaipa havana kudaro!
Vakafanana nehundi
inopepereswa nemhepo.
5Naizvozvo vakaipa havangamiri pakutongwa,
kana vatadzi paungano yavakarurama.

6Nokuti Jehovha anotarira nzira yavakarurama,
asi nzira yavakaipa ichaparadzwa.
Copyright information for SnaBDSC